Psalms 56

Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva paMiouki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati.

1Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha;
zuva rose vanorwa neni.
2Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose;
vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.

3Pandinenge ndotya,
ndichavimba nemi.
4Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,
muna Mwari ndinovimba; handichazotyi.
Ko, munhu anofa angandiitei?

5Zuva rose vanomonyorora mashoko angu;
vanogara vachirangana kundikuvadza.
6Vanorangana, vanovandira,
vanocherechedza mafambiro angu,
vachishuva kundiuraya.

7Ngavasapunyuka savasina mhaka;
koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.
8Nyorai kuchema kwangu;
isai misodzi yangu parugwaro rwenyu,
ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?

9Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure
pandinodanidzira kuti ndibatsirwe.
Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.
10Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,
muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,
11muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu.
Ko, munhu angandiitei?

12Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari;
ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.
13Nokuti makandirwira parufu,
uye netsoka dzangu pakugumburwa,
kuti ndifambe pamberi penyu
muchiedza choupenyu.
Copyright information for SnaBDSC